Published Articles,

HIV/AIDS: Vabereki budirai vana pachena

By Muchaneta Chimuka on June 5, 2015 · Nhau Dzeutano

MUKURU wesangano reSouthern Africa Aids Trust (SAT), Mai Roselyn Dete, vanoti pachine mikaha mikuru maringe nekudzivirirwa, kurapwa uye kubudira pachena kwevabereki kuvana maringe neHIV.

“Pakati pegore ra2012 na2013 takaita ongororo nemasangano anoti Network of Africa People Living with HIV for Southern Region (NAP+SAR), International HIV and AIDS Alliance neDignitas International tichitarisa mikaha iripo mukurwisa HIV muvana munyika dzakaita seZimbabwe, Malawi, Zambia neMozambique tikaona kuti pachine dambudziko guru uye vana vazhinji vari kufa vasati vawaniswa rubatsiro nekuda kwekusabuda pachena kwevabereki,” vakadaro.

Mukushi wemashoko kusangano reUnicef, VaVictor Chinyama, vanotiwo chikamu che80% chevana vari muSub-Saharan vari kurarama neutachiona hweHIV.

http://www.kwayedza.co.zw/hivaids-vabereki-budirai-vana-pachena/

Leave Comment